1 Samuel 9:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana dziri mboŋgoro dzako dzakaŋga dzarashika mazuʋa matatu, usadzifuŋga hako, nokuti dzatowanikwa hadzo. Asi ɀose ɀinoɗikanwa naIsraeri haɀizi kwauri here? Haɀizi kwauri nokunaʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋako here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana zviri zvembongoro dzawakarasa mazuva matatu apfuura, usafunganya pamusoro padzo, dzakawanikwa. Zvino zvido zvose zveIsraeri zvatarira kuna ani kana kusiri kwauri iwe nemhuri yose yababa vako?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana zviri zvamadhongi ako akarasika mazuva matatu apfuura chirega zvako kuzvinetsa nezvawo, nokuti akatowanikwa. Ko unoti chido chavanhu vose muIsiraeri muno chiri kupiko? Chiri pauri iyewe navose vemba yababa wako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana dziri mbongoro dzako dzakanga dzarashika mazuva matatu, usadzifunga hako, nokuti dzatowanikwa hadzo. Asi zvose zvinodikanwa naIsiraeri hazvizi kwauri here? Hazvizi kwauri nokuna vose veimba yababa vako here?”
Shona 2009?
Asi kana dziri mbongoro dzako dzakanga dzarashika mazuva matatu, usadzifunga hako, nokuti dzatowanikwa hadzo. Asi zvose zvinodikamwa naIsiraeri hazvizi kwauri here? Hazvizi kwauri nokuna vose veimba yababa vako here?"
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana dziri mbongoro dzako dzakanga dzarashika mazuva matatu, usadzifunga hako, nokuti dzatowanikwa hadzo. Asi zvose zvinodikanwa naIsiraeri hazvizi kwauri here? Hazvizi kwauri nokuna vose veimba yababa vako here?”