1 Samuel 9:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Sauro akapindura, akati: Ko handizi muBenjamini, worudzi ruɗuku kumarudzi ose aIsraeri here? Ʋuye mhuri yaŋgu haizi ɗuku kumhuri dzose dzorudzi rwaBenjamini here? Munotaurireiko kuɗaro kwandiri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akapindura achiti, “Ko, handisi muBhenjamini, worudzi rudiki pane mamwe ose aIsraeri here, uye mhuri yangu haisi diki here pamhuri dzose dzaBhenjamini? Sei muchitaura chinhu chakadaro kwandiri?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akapindura chiti, “Inga ini ndiri wokwaBhenjamini, dzinza rouko kwokupedzesera chaiko muIsiraeri? Ko mhuri yedu haisiri iyo here yokupedzesera mudzinza rokwaBhenjamini? Zvino zvamuri kutaura kwandiri izvi zvinorevei?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sauro akapindura, akati, “Ko handizi muBhenjamini, worudzi ruduku kumarudzi ose aIsiraeri here? Uye mhuri yangu haizi duku kumhuri dzose dzorudzi rwaBhenjamini here? Munotaurireiko kudaro kwandiri?”
Shona 2009?
Sauro akapindura, akati, "Ko handizi muBhenjamini, worudzi ruduku kumarudzi ose aIsiraeri here? Uye mhuri yangu haizi duku kumhuri dzose dzorudzi rwaBhenjamini here? Munotaurireiko kudaro kwandiri?"
Shona SUB 2002 Bible
Sauro akapindura, akati, “Ko handizi muBhenjamini, worudzi ruduku kumarudzi ose aIsiraeri here? Uye mhuri yangu haizi duku kumhuri dzose dzorudzi rwaBhenjamini here? Munotaurireiko kudaro kwandiri?”