1 Samuel 9:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muɓiki akatora cidɀa neɀose ɀakaŋga ɀiri paciri, akaɀigadza pamberi paSauro. Samueri akati: Tarira, ndico cakaŋga cakaceŋgetwa; uɀigadze pamberi pako, udye, nokuti ɀakakuceŋgeterwa iwe kuȿikira ŋguʋa yakafanira, nokuti ndakati: Ndakokera ʋanhu. Naiɀoɀo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo mubiki akatora gumbo nezvaiva pariri akazvigadzika pamberi paSauro. Samueri akati, “Hezvi zvawakanga wachengeterwa. Idya, nokuti zvanga zvakachengeterwa iwe panguva ino, kubvira panguva yandakati, ‘Ndakoka vanhu.’ ” Zvino Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka mubiki uyu akandotora chidya, nyama yapamusoro pechidya akazvigadzika pamberi paSauro, Samueri ndokuti, “Zvaurikuona izvi zvagadzikwa pamberi pako zvanga zvakachengeterwa iwe. Idya zvako nokuti ndochirango chawanga wakachengeterwa kusvikira nguva ino iyi yakatarwa kuti udye pamwechete navanhu vakakokwa.” Naizvozvo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mubiki akatora chidzva nezvose zvakanga zviri pachiri, akazvigadza pamberi paSauro. Samueri akati, “Tarira, ndicho chakanga chakachengetwa; uzvigadze pamberi pako, udye, nokuti zvakakuchengeterwa iwe kusvikira nguva yakafanira, nokuti ndakati, Ndakokera vanhu.” Naizvozvo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
Shona 2009?
Mubiki akatora chidzva nezvose zvakanga zviri pachiri, akazvigadza pamberi paSauro. Samueri akati, "Tarira, ndicho chakanga chakachengetwa; uzvigadze pamberi pako, udye, nokuti zvakakuchengeterwa iwe kusvikira nguva yakafanira, nokuti ndakati, Ndakokera vanhu." Naizvozvo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
Shona SUB 2002 Bible
Mubiki akatora chidzva nezvose zvakanga zviri pachiri, akazvigadza pamberi paSauro. Samueri akati, “Tarira, ndicho chakanga chakachengetwa; uzvigadze pamberi pako, udye, nokuti zvakakuchengeterwa iwe kusvikira nguva yakafanira, nokuti ndakati, Ndakokera vanhu.” Naizvozvo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.