1 Samuel 9:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakamuka maŋgwanani, mambakwedza, Samueri akaɗana Sauro paɗeŋga reimba, akati: Muka, ndikuendise. Ipapo Sauro akamuka, ʋakaɓuɗa iye naSamueri ʋari ʋaʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakamuka zuva richangobuda Samueri akadana Sauro ari padenga pemba akati, “Gadzirira ndigokurega uende hako.” Sauro akati agadzirira iye naSamueri vakabuda panze pamwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakafumomuka mambakwedza Samueri akadaidza Sauro padenga remba paya achiti, “Chimuka ndikuperekedze.” Sauro akamuka vakabva vapinda munzira vose vari vaviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakamuka mangwanani, mambakwedza, Samueri akadana Sauro padenga reimba, akati, “Muka, ndikuendise.” Ipapo Sauro akamuka, vakabuda iye naSamueri vari vaviri.
Shona 2009?
Vakamuka mangwanani, mambakwedza, Samueri akadana Sauro padenga reimba, akati, "Muka, ndikuendise." Ipapo Sauro akamuka, vakabuda iye naSamueri vari vaviri.
Shona SUB 2002 Bible
Vakamuka mangwanani, mambakwedza, Samueri akadana Sauro padenga reimba, akati, “Muka, ndikuendise.” Ipapo Sauro akamuka, vakabuda iye naSamueri vari vaviri.