1 Samuel 9:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋoɓuruka pamugumo weguta, Samueri akati kunaSauro: Raira muranda atuŋgamire mberi kweɗu (iye akatuŋgamira hake); asi iwe cimbomira hako, ndikuziʋise shoko raMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakanga vachienda kumucheto weguta, Samueri akati kuna Sauro, “Taurira muranda kuti atungamire mberi kwedu,” muranda akaita saizvozvo, “Asi iwe chimbogara pano kwechinguva, kuti ndigokupa shoko rabva kuna Mwari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachingunofamba kudaro voda kusvika kwokupedzesera kweguta, Samueri akati kuna Sauro, “Taurira muranda ambofanotungamira zvake. Kana achinge atungamira iwe wombomira pano, kwechinguva ndigokutaurira shoko raMwari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati voburuka pamugumo weguta, Samueri akati kuna Sauro, “Raira muranda atungamire mberi kwedu (iye akatungamira hake); asi iwe chimbomira hako, ndikuzivise shoko raMwari.”
Shona 2009?
Zvino vakati voburuka pamugumo weguta, Samueri akati kuna Sauro, "Raira muranda atungamire mberi kwedu (iye akatungamira hake); asi iwe chimbomira hako, ndikuzivise shoko raMwari."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati voburuka pamugumo weguta, Samueri akati kuna Sauro, “Raira muranda atungamire mberi kwedu (iye akatungamira hake); asi iwe chimbomira hako, ndikuzivise shoko raMwari.”