1 Samuel 9:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo muranda akapindura ɀe, akati kunaSauro: Tarirai, ndinececinna ceshekeri resirveri muruʋoko rwaŋgu; ndicacipa munhu waMŋari, atiʋudze nzira yeɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muranda akamupindura zvakare achiti, “Tarirai, ndine chikamu chimwe chete muzvina cheshekeria resirivha. Ndichachipa kumunhu waMwari kuti agotiudza nzira yokuenda nayo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muranda uyu ndokupindurazve Sauro achiti, “Tarisai muone, ndine mari shoma iyi inouremu hunokwana chidimbu chechina chemari yesirivha yemashekeri. Ndichaipa kune munhu waMwari kuti atiudze kwokuenda nako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo muranda akapindurazve, akati kuna Sauro, “Tarirai, ndine chechina cheshekeri resirivha muruoko rwangu; ndichachipa munhu waMwari, atiudze nzira yedu.”
Shona 2009?
Ipapo muranda akapindurazve, akati kuna Sauro, "Tarirai, ndine chechina cheshekeri resirivha muruoko rwangu; ndichachipa munhu waMwari, atiudze nzira yedu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo muranda akapindurazve, akati kuna Sauro, “Tarirai, ndine chechina cheshekeri resirivha muruoko rwangu; ndichachipa munhu waMwari, atiudze nzira yedu.”