1 Thessalonians 1:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Evaŋgeri yeɗu haina‐kuʋuya kwamuri neshoko ɓedzi, asi nesimba ʋo, nomumŋeya Mutȿene, nokuziʋa kwaɀo; seɀamunoziʋa kuti takaŋga takaɗini pakati penyu nokuɗa kwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti vhangeri redu harina kuuya kwamuri namashoko bedzi, asi nesimbawo, noMweya Mutsvene uye nokuziva kwakadzama. Munoziva kuti takagara sei pakati penyu nokuda kwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti Shoko redu Rakanaka rakauya kwamuri, kwete zvepamuromo chete asi nesimba naMweya Mutsvene uye nechivimbo chizere. Imi munoziva kuti takaratidza kuti tiri vanhuyi zvataiva pakati penyu tichizviitira imimi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Vhangeri yedu haina kuuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbawo, nomuMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu.
Shona 2009?
Nokuti evhangeri yedu haina kuvuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbavo, noMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Vhangeri yedu haina kuuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbawo, nomuMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu.