1 Thessalonians 1:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedonia neAkaya ɓedzi, asi kutenda kwenyu kunaMŋari kwakaȿika kwose; naiɀoɀo hatifaniri kutaura cinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shoko raShe rakanzwika kubva kwamuri kwete muMasedhonia neAkaya bedzi, kutenda kwenyu muna Mwari kwakazivikanwa kwose kwose. Naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu pamusoro pazvo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shoko raTenzi richibva kwamuri harina kungonzwika kuMasedhonia nokuAkaya koga asi chitendero chenyu muna Mwari chakasvika kose kose zvokuti hapana chatingataure.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti shoko raIshe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kuna Mwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu.
Shona 2009?
Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kunaMwari kwakasvika kose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti shoko raIshe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMasedhonia neAkaia bedzi, asi kutenda kwenyu kuna Mwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu.