1 Thessalonians 2:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka isu ʋo tinoramba ticiʋoŋga Mŋari, kuti paŋguʋa yamakagamucira shoko, iro shoko raMŋari, ramakanzwa kwatiri, hamuna‐kurigamucira seshoko raʋanhu, asi seshoko raMŋari, (riri iro ɀirokwaɀo) rinoɓata ʋo mukati menyu, imi munotenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nesuwo tinotenda Mwari nguva dzose, nokuti pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira, kwete seshoko ravanhu, asi sezvariri, iro shoko raMwari, riri kubata mamuri imi vanotenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tinotendawo Mwari nguva dzose pamusoro pezvizvi zvokuti pamakagashira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi sezvariri, seshoko raMwari riri kushanda mamuri imi vatendi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka isuo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatawo mukati menyu, imi munotenda.
Shona 2009?
Saka isuvo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatavo mukati menyu, imwi munotenda.
Shona SUB 2002 Bible
Saka isuwo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatawo mukati menyu, imi munotenda.