1 Thessalonians 2:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino isu, hama dzaŋgu, ɀatakaparadzaniswa nemi ciŋguʋa ciɗuku pamuʋiri, pasati pari pamŋoyo, takashiŋgairira ɀikuru nokushuʋa kukuru kuti tiʋonane nemi paciso;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi, hama, patakanga taparadzaniswa nemi kwechinguva chiduku (pakuonekwa, kwete mupfungwa), mukushuva kwedu kukuru takaedza chose kukuonai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hama, patakamboti paradzaniswei kwechinguva pakuonana kwete mupfungwa, taitodisisa kwazvo tikaita shungu dzokukuonai uso nouso.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamwoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tionane nemi pachiso;
Shona 2009?
Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemwi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tivonane nemwi pachiso;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamwoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tionane nemi pachiso;