1 Thessalonians 2:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti, seɀamunoziʋa, hatina‐kutoŋgoreʋa namashoko okuɓata kumeso, kana namano‐mano okukarira fuma, Mŋari capupu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munozviziva kuti isu hatibati kumeso, uye hatina kuisa chifukidzo chokufukidza kukarira pfuma, Mwari ndiye chapupu chedu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvamunoziva, hatina kushandisa mazwi okubata vanhu kumeso kana mazwi okufukidza kuda upfumi kwedu. Mwari angatipupurirewo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namano-mano okukarira pfuma, Mwari chapupu;
Shona 2009?
Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namano-mano okukarira fuma, Mwari chapupu;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namanomano okukarira pfuma, Mwari chapupu;