1 Thessalonians 2:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
saiɀoɀo takakushuʋai kwaɀo, tikati ɀakanaka kuti tirege kugoʋana nemi Evaŋgeri yaMŋari ɓedzi, asi kunyaŋge nemŋeya yeɗu ʋo, nokuti makaŋga maɗikanwa nesu kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Taikudai zvikuru zvokuti takafara kuti tigoverane nemi, kwete vhangeri raMwari bedzi, asi noupenyu hweduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo pamusana pokukudai zvakanyanya kwatinoita, hatina kungoda kuti tigoverane chete zveShoko Rakanaka raMwari, asi kuti tiitewo upenyu hwedu nemi nokuti imi makanga mava vapamwoyo chaivo kwatiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Vhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.
Shona 2009?
saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemwi evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduvo, nokuti makanga madikamwa nesu kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Vhangeri yaMwari bedzi, asi kunyangwe nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.