1 Thessalonians 2:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti, hama dzaŋgu, munoraŋgarira kutambudzika nokurwa kweɗu; taiɓata ʋusiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumŋe wenyu, tikakuparidzirai Evaŋgeri yaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo munorangarira, hama, kutambudzika kwedu nokuomerwa kwedu; takashanda usiku namasikati kuti tirege kuremedza munhu upi zvake patakanga tichiparidza vhangeri raMwari kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hama, imi munoyeuka kushanda nokushingaira kwedu. Takashanda siku nesikati kuti tirege kuwana nomumwe wenyu watinoremedza patainge tichiparidza Shoko Rakanaka raMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata basa usiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari.
Shona 2009?
Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata vusiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai evhangeri yaMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata basa usiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari.