1 Thessalonians 3:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ticiŋgokumbira ɀikuru ʋusiku namasikati kuti tiʋone ciso cenyu, kuti tizadzise ɀakatairira pakutenda kwenyu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usiku namasikati tinonyengetera zvikuru kuti tikuoneizve uye kuti tizadzise zvinotayira pakutenda kwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
siku nesikati tichibva tanyatsonamatawo kuti tizoonana uso nouso tichizokupai zvimwe zvamusina mukutenda kwenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
tichingokumbira zvikuru usiku namasikati kuti tione chiso chenyu, kuti tizadzise zvakatairira pakutenda kwenyu?
Shona 2009?
tichingokumbira zvikuru vusiku namasikati kuti tivone chiso chenyu, kuti tizadzise zvakataira pakutenda kwenyu?
Shona SUB 2002 Bible
tichingokumbira zvikuru usiku namasikati kuti tione chiso chenyu, kuti tizadzise zvakatairira pakutenda kwenyu?