1 Thessalonians 3:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asimbise mŋoyo yenyu kuti iʋe isina‐caiŋgapomerwa paʋutȿene pamberi paMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, pakuʋuya kwaShe weɗu Jesu pamŋe cete naʋatȿene ʋake ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ngaasimbise mwoyo yenyu kuitira kuti mushayiwe chamunopomerwa uye muve vatsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu navatsvene vake vose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti asimbaradze mwoyo yenyu ive isina chinoshoreka pautsvene uye iri mitsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu pakuuya kwaTenzi wedu Jesu navatsvene vake vose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asimbise mwoyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pautsvene pamberi paMwari, baba vedu, pakuya kwaIshe wedu Jesu pamwechete navatsvene vake vose.
Shona 2009?
asimbise moyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pavutsvene pamberi paMwari, Baba vedu, pakuvuya kwaShe wedu Jesu pamwe chete navatsvene vake vose.
Shona SUB 2002 Bible
asimbise mwoyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pautsvene pamberi paMwari, Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu pamwechete navatsvene vake vose.