1 Thessalonians 3:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
tikatuma Timotio, hama yeɗu, mushumiri waMŋari paEvaŋgeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsuŋgisai mŋoyo pakutenda kwenyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Takatuma Timoti, anova ndiye hama yedu nomushandi waMwari pamwe chete nesu pakuparadzira vhangeri raKristu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Takatumira hama yedu Timoti muranda waMwari nomubatsiri wedu munezve Shoko Rakanaka raKristu kuzokusimbisai muchitendero chenyu uye kuzokukurudzirai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
tikatuma Timoti, hama yedu, mushumiri waMwari paVhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai mwoyo pakutenda kwenyu;
Shona 2009?
tikatuma Timotio, hama yedu, mushumiri waMwari paevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai moyo pakutenda kwenyu;
Shona SUB 2002 Bible
tikatuma Timoti, hama yedu, mushumiri waMwari paVhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai mwoyo pakutenda kwenyu;