1 Thessalonians 3:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀino Timotio wakati aȿika kwatiri acaŋgobva kwamuri, akatiʋudza mashoko akanaka okutenda kwenyu noruɗo rwenyu, ʋuye kuti munoŋgositifuŋga nomuraŋgariro wakanaka, muciɗa ɀikuru kutiʋona isu, sesu ʋo ticiɗa kukuʋonai imi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Timoti achangosvika kwatiri zvino achibva kwamuri uye akauya namashoko akanaka ezvokutenda kwenyu norudo rwenyu. Akatiudza kuti munogara muchifunga zvakanaka nezvedu uye kuti munoshuva kutiona, sezvatinoshuva nesuwo kukuonai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino nokudzoka kwakaita Timoti achibva kwamuri akatiunzira dama rakanaka nezverudaviro rwenyu norudo rwenyu. Akatitaurira kuti imi munogara muchitifunga munezvakanaka nguva dzose uye kuti munokarira kutiona sokusuwirawo kwatinoita kukuonai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvino Timoti akati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akatiudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, uye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida kutiona isu sesuo tichida kukuonai imi;
Shona 2009?
Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akativudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, uye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida zvikuru kutivona isu, sesuvo tichida kukuvonai imi;
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvino Timoti akati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akatiudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, uye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida kutiona isu sesuwo tichida kukuonai imi;