1 Thessalonians 4:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo pakupedzisira, hama dzaŋgu, tinokumbira kwamuri, nokukurairai munaShe Jesu, kuti, seɀamakadzidza kwatiri mutoʋo wamunofanira kufamba nokufadza Mŋari nawo, seɀamunofamba ʋo, kuti muwanze nokuwanzisisa panaiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pokupedzisira hama dzangu, isu muna Tenzi Jesu tinokukumbirai tichikukurudzirai kuti sokudzidza kwamakaita kwatiri, mugariro wamunofanira kuita, mufadze Mwari, sezvamuri kungoita. Itai saizvozvo zviri zvakatowandisisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurayirai muna Ishe Jesu, kuti, sezvamadzidza kwatiri mutoo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofambawo, kuti muwanze nokunzwisisa panaizvozvo.
Shona 2009?
Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurairai munaShe Jesu, kuti, sezvamakadzidza kwatiri mutovo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofambavo, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurayirai muna Ishe Jesu, kuti, sezvamadzidza kwatiri mutoo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofambawo, kuti muwanze nokunzwisisa panaizvozvo.