1 Thessalonians 4:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti ndiɀo ɀamunoitira hama dzose dzeMakedonia yose, asi tinokurairai, hama dzaŋgu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaiɀoɀi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyezve, munoda hama dzose muMasedhonia yose. Asi tinokukurudzirai, hama, kuti muite izvozvo uye muchiwedzera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ichokwadi kuti munoda vehama vose vari muMasedhonia yose asi chatinokukurudzirai, hama, kuita izvozvo zvakatowanda kwazvo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti ndizvo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia yose, asi tinokurayirai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi;
Shona 2009?
nokuti ndizvovo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia, yose asi tinokurairai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi;
Shona SUB 2002 Bible
nokuti ndizvo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia yose, asi tinokurayirai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi;