1 Thessalonians 4:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana ticitenda kuti Jesu wakafa, akamuka ɀe, saiɀoɀo ʋo aʋo ʋakaʋata munaJesu, Mŋari ucaʋaʋuyisa pamŋe cete naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isu tinotenda kuti Jesu akafa uye akamukazve, nokudaro isu tinotenda kuti Mwari achauyisa pamwe chete naJesu avo vakavata maari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvatinotenda kuti Jesu akafa akamukazve saizvozvowo, nokuna Jesu, Mwari achadzosa pamwe naye vakafa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa, akamukazve, saizvozvowo avo vakavata muna Jesu, Mwari achavauyisa pamwechete naye.
Shona 2009?
Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa, akamukazve, saizvozvovo avo vakavata munaJesu, Mwari uchavavuyisa pamwe chete naye.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa, akamukazve, saizvozvowo avo vakavata muna Jesu, Mwari achavauyisa pamwechete naye.