1 Thessalonians 5:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muraire ʋasiŋgatereri murairo, musimbise ʋanopera mŋoyo, mutsigire ʋasinesimba, muʋe nomŋoyo murefu kunaʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tinokukurudziraizve, hama, kuti rayirai nyope muchimutsa mwoyo yavakaneta. Batsirai vasina simba. Itai mwoyo murefu navo vose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti murayire vasingateereri murayiro, musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba, muve nomwoyo murefu kuna vose.
Shona 2009?
Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti muraire vasingateereri murairo, musimbise vanopera moyo, mutsigire vasinesimba, muve nomoyo murefu kunavose.
Shona SUB 2002 Bible
Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti murayire vasingateereri murairo, musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba, muve nomwoyo murefu kuna vose.