1 Thessalonians 5:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋaciti, Rugare, nokugarika — ipapo kuparadzwa kucakurumidza kuʋawira, sokurwadzwa kwomukadzi unemimba; haʋaŋgatoŋgopukunyuki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu pavanenge voti kune rugare uye hakuna chinotiwana, pakare pakarepo ndipo pavanobva vavingwa nokuparadzwa sokuuya kunoita kurwadziwa pamukadzi ana pamuviri. Hapana zvokupukunyuka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi ane pamuviri; havangatongopukunyuka.
Shona 2009?
Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa komukadzi unemimba; havangatongopukunyuki.
Shona SUB 2002 Bible
Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadziwa kunoita kwomukadzi ane pamuviri; havangatongopukunyuka.