1 Timothy 1:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Seɀandakakumbira ɀikuru kwauri, ini ndicienda Makedonia, ndinoti, usare paEfeso, kuti uraire ʋamŋe ʋarege kudzidzisa dzimŋe dzidziso;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvandakakumbira zvikuru kwauri pandakaenda kuMasedhonia, gara paEfeso kuitira kuti ugorayira vamwe varume kuti varege kudzidzisa dzidziso dzenhema,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokukukurudzira kwandakaita pandakanga ndichienda kuMasedhonia, ramba uri kuEfeso kuti uudze vamwe vanhu kuti varege kukudzidzisa zvidzidziso zvisina akambodzidzisa;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sezvandakakumbira zvikuru kwauri, ini ndichienda Makedhonia, ndinoti, usare muEfeso, kuti urayire vamwe, varege kudzidzisa dzimwe dzidziso;
Shona 2009?
Sezvandakakumbira zvikuru kwauri, ini ndichienda Makedhonia, ndinoti, usare paEfeso, kuti uraire vamwe varege kudzidzisa dzimwe dzidziso.
Shona SUB 2002 Bible
Sezvandakakumbira zvikuru kwauri, ini ndichienda Masedhonia, ndinoti, usare muEfeso, kuti urayire vamwe, varege kudzidzisa dzimwe dzidziso;