1 Timothy 2:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi ucaponeswa nokuɓereka ʋana, kana ʋacirambira mukutenda noruɗo, noʋutȿene pamŋe cete nokuɀidzora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vakadzi vachaponeswa nokubereka vana kana vachirambira mukutenda, murudo noutsvene, uye nokuzvidzora.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukadzi anonunurwa zvake nokubereka vana kana akaramba ari muchetendero uye aine rudo noururami.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi achaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, noutsvene pamwechete nokuzvidzora.
Shona 2009?
asi uchaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, novutsvene pamwe chete nokuzvidzora.
Shona SUB 2002 Bible
asi achaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, noutsvene pamwechete nokuzvidzora.