1 Timothy 3:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakuna‐uŋgaramba kuti cakaʋanzika cokunamata cikuru kwaɀo, cokuti: Iye wakaratidzwa panyama, wakaruramiswa pamŋeya, wakaʋonekwa naʋatumŋa, wakaparidzwa pakati paʋahedeni, wakatendwa panyika, wakakwidzwa mukubginya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa noMweya, akaonekwa navatumwa, panyika vakatenda kwaari, akakwidzwa mukubwinya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tinopupura kuti zvakavandika zvechitendero chedu zvikuru kwazvo zvokuti: akaonekwa akaratidzwa pachena aine muviri akapembedzwa naMweya akaonekwa navatumwa akaparidzwa kumarudzi akatendwa pasi pose akazokwira kudenga aine mbiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakuna angaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa pamweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pavahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.
Shona 2009?
Hakuna ungaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye Mwari wakaratidzwa panyama, wakaruramiswa pamweya, wakavonekwa navatumwa, wakaparidzwa pakati pavahedheni, wakatendwa panyika, wakakwidzwa mukubwinya.
Shona SUB 2002 Bible
Hakuna angaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa pamweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pavahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.