1 Timothy 6:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinokuraira pamberi paMŋari, unopa ɀinhu ɀose ʋupenyu bgaɀo, napamberi paKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokurayira, pamberi paMwari, anopa upenyu kuzvinhu zvose, napamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paakapa uchapupu pamberi paPondio Pirato,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamberi paMwari anopa upenyu kuzvinhu zvose uye pamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paumboo hwake pamberi paPontio Pirato,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinokurayira pamberi paMwari, anopa zvinhu zvose zvoupenyu hwazvo, napamberi paKristu Jesu, akapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato;
Shona 2009?
Ndinokuraira pamberi paMwari, unopa zvinhu zvose vupenyu bwazvo, napamberi paKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato;
Shona SUB 2002 Bible
Ndinokurayira pamberi paMwari, anopa zvinhu zvose zvoupenyu hwazvo, napamberi paKristu Jesu, akapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato;