1 Timothy 6:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye oga usiŋgafi, ugere paciedza cisiŋgasweɗerwi, usina‐kumboʋonekwa nomunhu, ʋuye usiŋgagoni kuʋonekwa; kukudzwa nesimba risiŋgaperi ŋgaɀiʋe kwaari. Ameni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye oga ndiye asingafi uye agere pachiedza chisingaswederwi, uyo asina akambomuona kana angamuona. Kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
iye oga chirambakusakara; asingafi anogara muchiedza chisingasvikiki; asina kumboonekwa nomunhu uye asingagoni kuonekwa. Iye ngaarumbidzwe noutongi husingaperi. Ameni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye oga asingafi, agere pachiedza chisingaswederwi, asina kuonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.
Shona 2009?
iye oga usingafi, ugere pachiedza chisingagoni kuti munhu aswedere kwachiri; usina kumbovonekwa nomunhu, uye usingagoni kuvonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.
Shona SUB 2002 Bible
iye oga asingafi, agere pachiedza chisingaswederwi, asina kuonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.