1 Timothy 6:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Raira ʋafumi panyika yaɀino, kuti ʋarege kuɀikudza, kana kuʋimba nefuma isiŋgagari, asi naMŋari, unotipa ɀose aciwanza, kuti tifare naɀo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapfumi vapasi pano, vataurire kuti varege kuzvitutumadza kana kuvimba noupfumi husina paho. Asi ngavavimbe naMwari anotifashurira zvose zvinotifadza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rayira vapfumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nepfuma isingagari, asi naMwari, anotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo;
Shona 2009?
Raira vafumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingagari, asi naMwari, unotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo;
Shona SUB 2002 Bible
Rayira vapfumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nepfuma isingagari, asi naMwari, anotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo;