1 Timothy 6:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe, Timotio, ceŋgeta ico cawakapiwa, ufuratire kutaura kusinehanya naMŋari nokuramba kunobva paziʋo inonzi ziʋo, dziri nhema hadzo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Timoti, chengeta icho chawakapiwa. Furatira unhu husina umwari nepfungwa dzinopikisa, dzezvinonzi pakutaura kwenhema zivo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwe Timoti chengetedza zvakaiswa mumaoko mako kuti uchengete. Siyana nokutaura kusinei naMwari zvinopesana nezvinenge zvichinzi ichokwadi izvo zvisiri chokwadi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe, Timoti, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusina hanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo, dziri nhema hadzo;
Shona 2009?
Iwe, Timotio, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusinehanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo., dziri nhema hadzo;
Shona SUB 2002 Bible
Iwe, Timoti, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusina hanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo, dziri nhema hadzo;