2 Chronicles 1:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari akati kunaSoromoni: Ɀawaraŋgarira cinhu ici mumŋoyo mako, ukasakumbira fuma, neɀakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwaʋaʋeŋgi ʋako, kana kukumbira ʋupenyu ʋurefu, asi wakaɀikumbirira njere nokuziʋa, kuti ugone kutoŋga ʋanhu ʋaŋgu, ʋandakakuita mambo waʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo uku kuri kudokwairira kwomwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi, kana zvakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akati kuna Soromoni, “Pamusana pokuti izvi ndozvawada nemwoyo wako ukarega kukumbira kuti uve nezvinhu kana upfumi kana ukuru kana kuti vanokuvenga vafe kunyange kuzvikumbirira upenyu hurefu, asi wazvikumbirira ungwaru noruzivo kuti utonge vanhu vangu vandakati iwe uve mambo wavo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari akati kuna Soromoni, “Zvawarangarira chinhu ichi mumwoyo mako, ukasakumbira pfuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo;
Shona 2009?
Mwari akati kuna Soromoni, "Zvawarangarira chinhu ichi mumoyo mako, ukasakumbira fuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo;
Shona SUB 2002 Bible
Mwari akati kuna Soromoni, “Zvawarangarira chinhu ichi mumwoyo mako, ukasakumbira pfuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo;