2 Chronicles 1:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakandoɀitora Egipita, ʋakaʋuya naɀo, ŋgoro imŋe neimŋe iciteŋgwa namashekeri esirveri anamazana matanhatu, nebiza rimŋe nerimŋe namashekeri anezana namakumi mashanu; saiɀoɀo ʋo madzimambo ose aʋaHiti, namadzimambo aʋaSiria aiʋigirwa iɀoɀo naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaitenga ngoro imwe chete kubva kuIjipiti ichiita mashekeri mazana matanhatua esirivha uye bhiza rimwe chete richiita mashekeri zana namakumi mashanub. Ivo vaizoatengeserawo kumadzimambo ose avaHiti navaAramu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuti munhu atenge ngoro yehondo kuIjipiti paidiwa mazana matanhatu emari yesirivha yemashekeri, bhizawo richiita zana namakumi mashanu emari yesirivha yemashekeri. Vanhu ivavo vemhindu vaye vaiitawo zvimwechetezvo ndovaitozondotengeserawo ose madzimambo evaHiti namadzimambo eSiria zvinhu izvozvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakandozvitora Ijipiti, vakauya nazvo, ngoro imwe neimwe ichitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, nebhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria aivigirwa izvozvo navo.
Shona 2009?
Vakandozvitora Ijipiti, vakauya nazvo, ngoro imwe neimwe ichitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, nebhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria aivigirwa izvozvo navo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakandozvitora Ijipiti, vakauya nazvo, ngoro imwe neimwe ichitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, nebhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo aVaSiria aivigirwa izvozvo navo.