2 Chronicles 10:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo mambo haana‐kuterera ʋanhu; nokuti ɀakaŋga ɀabva kunaMŋari, kuti Jehova asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kunaJeroboami mŋanakomana waNebati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka mambo haana kuteerera kuvanhu, nokuti kuitika kwezvinhu uku kwaibva kuna Mwari, kuti shoko rakanga rataurwa naJehovha kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuromo waAhija muShironi rizadziswe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro mambo haana kunzwa chichemo chavanhu ivava nokuti maitikiro aya ezvinhu akanga auyiswa naMwari kuti Tenzi azadzikise shoko rake raakanga ataura nomuromo waAhiya wokuShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti zvakanga zvabva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoami mwanakomana waNebhati.
Shona 2009?
Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti zvakanga zvabva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoami mwanakomana waNebhati.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti zvakanga zvabva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoau mwanakomana waNebhati.