2 Chronicles 10:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaciʋona kuti mambo haana‐kuʋaterera, ʋanhu ʋakapindura mambo, ʋakati: Tinomugoʋe weiko kunaDavidi? Ʋuye hatinenhaka kumŋanakomana weJese; endai henyu munhu mumŋe nomumŋe kutente rake, imi Israeri! Ɀino Davidi, citarira hako imba yako. Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose ʋakaenda kumatente aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vose pavakaona kuti mambo aramba kuvateerera, vakapindura mambo vachiti, “Ko, tine mugove upi muna Dhavhidhi, chikamu chipiko mumwanakomana waJese? Kumatende enyu, imi Israeri! Zvichengetere imba yako, iwe Dhavhidhi!” Saka vaIsraeri vose vakaenda kumisha yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaIsiraeri vose pavakaona kuti mambo haana kunzwa chichemo chavo, vanhu vakapindura mambo vachiti, “Isu muna Dhavhidhi, mugove wedu ndowei chaizvo? Hatina isu nhaka mumwana waJese. VokwaIsiraeri, munhu wose kumusha. Iwe Dhavhidhi, zvomumba mako wochizvionera.” VakwaIsiraeri ndiye shapu kuenda kumusha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo, vakati, “Tino mugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana weJese; endai henyu munhu mumwe nomumwe kutende rake, imi Isiraeri! Zvino Dhavhidhi, chitarira hako imba yako.” Naizvozvo vaIsiraeri vose vakaenda kumatende avo.
Shona 2009?
Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo, vakati, "Tino mugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana weJese; endai henyu munhu mumwe nomumwe kutende rake, imwi Isiraeri! Zvino Dhavhidhi, chitarira hako imba yako." Naizvozvo valsiraeri vose vakaenda kumatende avo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino VaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo, vakati, “Tino mugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana weJese; endai henyu munhu mumwe nomumwe kutende rake, imi Isiraeri! Zvino Dhavhidhi, chitarira hako imba yako.” Naizvozvo VaIsiraeri vose vakaenda kumatende avo.