2 Chronicles 10:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jeroboami mŋanakomana waNebati, wakati aciɀinzwa, (nokuti wakaŋga aciri Egipita kwaakaŋga atizira nokuɗa kwaSoromoni,) Jeroboami ndokudzoka acibva Egipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paakanzwa izvi (aiva kuIjipiti, kwaakanga aenda achitiza Mambo Soromoni), akadzoka kubva kuIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jerobhohamu mwanakomana waNebhati paakazvinzwa zvake achiri kuIjipiti sezvo akanga achiri kuIjipiti ikoko kwaakaenda atiza mambo Soromoni,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jerobhoami mwanakomana waNebhati, akati achizvinzwa, (nokuti akanga achiri Ijipiti kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni,) Jerobhoami ndokudzoka achibva Ijipiti.
Shona 2009?
Zvino Jerobhoami mwanakomana waNebhati, akati achizvinzwa, (nokuti akanga achiri Ijipiti kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni,) Jerobhoami ndokudzoka achibva Ijipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, akati achizvinzwa, (nokuti akanga achiri Ijipiti kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni,) Jerobhoamu ndokudzoka achibva Ijipiti.