2 Chronicles 10:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo Rehoboami akaraŋgana naʋakuru, ʋaimira pamberi paSoromoni ɓaɓa ʋake, ʋaciri ʋapenyu, akati: Muŋgandipa zano reiko, randiŋgapindura ʋanhu aʋa naro?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mambo Rehobhoamu akandobvunza vakuru vaisishandira baba vake Soromoni panguva yavakanga vari vapenyu. Akavabvunza achiti, “Ko, izano ripi ramungandipa kuti ndipindure vanhu ava?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Rehobhoamu akandobvunza mazano kune vechikuru chikuru vaimbova makurukota kuna Soromoni baba vake pavakanga vachiri vapenyu achiti, “Zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu, akati, “Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?”
Shona 2009?
papo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu, akati, "Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu, akati, “Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?”