2 Chronicles 10:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Imi muŋgandipa zano reiko, ratiŋgapindura naro ʋanhu aʋa ʋakataura neni, ʋaciti: Rerusai joko rakaiswa pamsoro peɗu naɓaɓa ʋenyu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavabvunza akati, “Mungandipa zano ripi? Tingapindura sei vanhu ava vanoti kwandiri, ‘Tirerutsirei joko ratakatakudzwa nababa venyu?’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kwavari, “Ko zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi vakanditi, ‘Tirerutsireiwo joko rakaiswa nababa venyu patiri.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, ‘Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?’ ”
Shona 2009?
Akati kwavari, "Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, `Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?' "
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, ‘Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?’ ”