2 Chronicles 11:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋose pakati pamarudzi ose aʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋacitȿaka Jehova nomŋoyo wose, ʋakaʋateʋera, ʋakaenda Jerusarema kuzoɓayira Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vose vaibva kumarudzi ose aIsraeri vakaisa mwoyo yavo pakutsvaga Jehovha, Mwari waIsraeri, vakatevera vaRevhi kuJerusarema kuti vandopa zvibayiro kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwewo vaiva nemwoyo wokutsvaka Tenzi, Mwari weIsiraeri vakavateverawo kubva kumadzinza ose eIsiraeri vakaenda kuJerusaremu kundopira zvibayiro kuna Tenzi, Mwari wamadzibaba avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vose pakati pamarudzi ose avaIsiraeri, vakanga vachitsvaka Jehovha nomwoyo wose, vakavatevera, vakaenda Jerusaremu kuzobayira Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Shona 2009?
Zvino vose pakati pamarudzi ose avaIsiraeri, vakanga vachitsvaka Jehovha nomoyo wose, vakavatevera, vakaenda Jerusaremu kuzobayira Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vose pakati pamarudzi ose aVaIsiraeri, vakanga vachitsvaka Jehovha nomwoyo wose, vakavatevera, vakaenda Jerusaremu kuzobayira Jehovha Mwari wamadzibaba avo.