2 Chronicles 11:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu; mumŋe nomumŋe ŋgaadzokere kumba kwake, nokuti cinhu ici cinobva kwandiri. Naiɀoɀo ʋakaterera mashoko aJehova, ʋakadzoka pakundorwa naJeroboami.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’ ” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvanzi naTenzi, ‘Regai kuenda uye musarwisane nehama dzenyu. Munhu wose kumusha nokuti zvinhu izvi zvakabva kwandiri.’ ” Saizvozvo vakateerera zvakarehwa naTenzi ndokudzokera zvavo, vakarega kundorwisa Jerobhoamu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvanzi naJehovha, ‘Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri.’ ” Naizvozvo vakateerera mashoko aJehovha, vakadzoka pakundorwa naJerobhoami.
Shona 2009?
zvanzi naJehovha, `Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri.' " Naizvozvo vakateerera mashoko aJehovha, vakadzoka pakundorwa naJerobhoami.
Shona SUB 2002 Bible
zvanzi naJehovha, ‘Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri.’ ” Naizvozvo vakateerera mashoko aJehovha, vakadzoka pakundorwa naJerobhoamu.