2 Chronicles 12:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuɗaro mambo Rehoboami wakaɀisimbisa paJerusarema, akaɓata ʋushe; nokuti Rehoboami wakaŋga anamakore makumi manna nerimŋe pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namanomŋe, iro guta rakaŋga ratsaurwa naJehova pamarudzi ose aIsraeri, kuti aise zita rake’mo; zita ramai ʋake rakaŋga riri Naama muAmoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo Rehobhoamu akazvisimbisa kwazvo muJerusarema akaramba ari mambo. Akanga ane makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta raJehovha raakanga azvisarudzira pamarudzi ose eIsraeri kuti aise Zita rake. Zita ramai vake rainzi Naama; vaiva muAmoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Rehobhoamu akadzika midzi muJerusaremu akatonga. Rehobhoamu akanga ava namakore makumi mana nerimwechete paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore gumi nemanomwe ari muJerusaremu, guta rakasarudzwa naTenzi pamadzinza ose kuti aisepo zita rake. Zita raamai vake ndiNaama, muAmoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokudaro mambo Rehobhoamu akazvisimbisa paJerusaremu, akabata ushe; nokuti Rehobhoamu akanga ana makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namanomwe, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pamarudzi ose aIsiraeri, kuti aise zita rakemo; zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.
Shona 2009?
Nokudaro mambo Rehobhoamu akazvisimbisa paJerusaremu, akabata ushe; nokuti Rehobhomu akanga ane makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namanomwe, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pamarudzi ose alsiraeri, kuti aise zita rakemo; zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.
Shona SUB 2002 Bible