2 Chronicles 12:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
aneŋgoro dzinecuru cimŋe namazana maʋiri, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinamakumi matanhatu, naʋanhu ʋakabva naye Egipita, ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuʋereŋgwa, ʋaiti: ʋaRubimi, naʋaSukimi, naʋaEtiopia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nengoro chiuru namazana maviri navatasvi vamabhiza zviuru makumi matanhatu navarwi vokuRibhiya, Suki neEtiopia vakanga vasingaverengeki vaakauya navo kubva kuIjipiti,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
aine ngoro dzehondo dzamabhiza chiuru chimwechete chine mazana maviri navachairi vadzo zviuru makumi matanhatu. Varwi vaakauya navo vakanga vasingaverengeki vaakabva navo kuIjipiti vaiti vaRibhiya navaSuki navaEtiopia.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana maviri, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi matanhatu, navanhu vakabva naye Ijipiti, vakanga vasingagoni kuverengwa, vaiti: vaRubhimi, navaSukimi, navaItiopia.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible