2 Chronicles 12:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova wakati aciʋona kuti ʋaɀininipisa, shoko raJehova rikaȿika kunaShemaya, riciti: Ʋaɀininipisa, handiŋgaʋaparadzi, asi ndobva ndoʋarwira; kutsamŋa kwaŋgu hakuŋgaɗururwi pamsoro peJerusarema noruʋoko rwaShishaki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha pavakaona kuti vazvininipisa shoko iri raJehovha rakauya kuna Shemaya richiti, “Nokuda kwokuti vazvininipisa, handichavaparadzi asi munguva pfupi ndichavanunura. Kutsamwa kwangu hakuchadururirwa paJerusarema kubudikidza naShishaki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi paakaona kuti vazvirereka shoko raTenzi rakauya kuna Shemaya richiti, “Zvavazvirereka kudai ini handichavaparadza ndichavanunura. Zvokunge ndichashandisa Shishaki kuratidza kuvirukira kwangu Jerusaremu nehasha, handichaita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati achiona kuti vazvininipisa, shoko raJehovha rikasvika kuna Shemaya, richiti, “Vazvininipisa, handingavaparadzi, asi ndobva ndovarwira; kutsamwa kwangu hakungadururwi pamusoro peJerusaremu noruoko rwaShishaki.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati achiona kuti vazvininipisa, shoko raJehovha rikasvika kuna Shemaya, richiti, "Vazvininipisa, handingavaparadzi, asi ndobva ndovarwira; kutsamwa kwangu hakungadururwi pamusoro peJerusaremu noruoko rwaShishaki.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati achiona kuti vazvininipisa, shoko raJehovha rikasvika kuna Shemaya, richiti, “Vazvininipisa, handingavaparadzi, asi ndobva ndovarwira; kutsamwa kwangu hakungadururwi pamusoro peJerusaremu noruoko rwaShishaki.