2 Chronicles 13:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndiʋo ʋanopisira Jehova ɀipiriso ɀinopiswa neɀinonhuwira maŋgwanani ose namaɗekwana ose; neɀiŋgwa ɀokuratidza ʋanoɀigadzira patafura yakaiȿo‐naka; necigadziko cendarama nemŋenje yaco, kuvenekera maɗekwana ose; nokuti tinoceŋgeta ɀatakarairwa naJehova Mŋari weɗu; asi imi makamurasha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mangwanani namanheru oga oga vanopisa zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuwira kuna Jehovha. Vanoisa chingwa patafura yakanatswa uye vanobatidza mwenje iri pazvigadziko zvegoridhe manheru oga oga. Tiri kutevera zvinodikanwa naJehovha Mwari wedu asi imi makamurasa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mangwanani oga oga namanheru oga oga, vanopira kuna Tenzi mipiro yokupisa norusenzi runonhuwirira vachironga chingwa chepana Mwari patebhuru yendarama yakachenurwa, vanoonawo nezvechigadzikiro chemwenje chendarama kuti marambi acho avheneke manheru oga oga nokuti isu tinochengeta zvakanzi naTenzi, Mwari wedu zviitwe, asi imi makamuramba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndivo vanopisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuwira mangwanani ose namadekwana ose; nezvingwa zvokuratidza vanozvigadzira patafura yakaisvonaka; nechigadziko chendarama nemwenje yacho, kuvhenekera madekwana ose; nokuti tinochengeta zvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; asi imi makamurasha.
Shona 2009?
"Ndivo vanopisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuhwira mangwanani ose namadekwana ose; nezvingwa zvokuratidza vanozvigadzira patafura yakaisvonaka; nechigadziko chendarama nemwenje yacho, kuvhenekera madekwana ose; nokuti tinochengeta zvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; asi imwi makamurasha.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndivo vanopisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuwira mangwanani ose namadekwana ose; nezvingwa zvokuratidza vanozvigadzira patafura yakaisvonaka; nechigadziko chendarama nemwenje yacho, kuvhenekera madekwana ose; nokuti tinochengeta zvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; asi imi makamurasha.