2 Chronicles 13:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abija naʋanhu ʋake ʋakaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru; naiɀoɀo ʋarume ʋakatsaurwa ʋaneɀuru ɀinamazana mashanu ʋakaʋurawa pakati paIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhija navanhu vake vakaparadza vazhinji vavo kwazvo, zvokuti zviuru mazana mashanu zvavarume vaigona kurwa pakati paIsraeri vakafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhiya navarwi vakavaita murakatira kuuraya, kukafiwa nevokwaIsiraeri mazana mashanu ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhija navanhu vake vakavauraya nokuuraya kukuru; naizvozvo varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mashanu vakaurawa pakati paIsiraeri.
Shona 2009?
Abhija navanhu vake vakavauraya nokuuraya kukuru; naizvozvo varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mashanu vakaurawa pakati paIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Abhija navanhu vake vakavauraya nokuuraya kukuru; naizvozvo varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mashanu vakaurayiwa pakati paIsiraeri.