2 Chronicles 13:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaɓata ʋushe paJerusarema makore matatu; zita ramai ʋake rakaŋga riri Mikaya, mukunda waUrieri weGibea. Kurwa kukaʋa’po pakati paAbija naJeroboami.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka, mwanasikana waUrieri weGibhea. Pakava nokurwisana pakati paAbhija naJerobhoamu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatonga kwamakore matatu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Mikaya mwana waUrieri vokuGibheya. Paiva nehondo pakati paAbhiya naJerobhoamu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabata ushe paJerusaremu makore matatu; zita ramai vake rakanga riri Mikaya, mukunda waUrieri weGibhea. Kurwa kukavapo pakati paAbhija naJerobhoami.
Shona 2009?
Akabata ushe paJerusaremu makore matatu; zita ramai vake rakanga riri Mikaya, mukunda waUrieri weGibhiya. Kurwa kukavapo pakati paAbhija naJerobhoami.
Shona SUB 2002 Bible
Akabata ushe paJerusaremu makore matatu; zita ramai vake rakanga riri Mikaya, mukunda waUrieri weGibhia. Kurwa kukavapo pakati paAbhija naJerobhoamu.