2 Chronicles 13:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abija akarwa anehondo yaʋarwi dzaiʋa mhare, ʋarume ʋakatsaurwa ʋaneɀuru ɀinamazana manna; Jeroboami ʋo akagadzira hondo kuzorwa naye, anaʋarume ʋakatsaurwa ʋaneɀuru ɀinamazana masere, ʋaiʋa ʋarume ʋanesimba noʋumhare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhija akaenda kundorwa nehondo yaive navarume zviuru mazana mana vaigona kurwa, uye Jerobhoamu akamurwisa navarwi zviuru mazana masere vaigona kurwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhiya akaenda kundorwa aina magamba chaiwo okurwa hondo namazana mana ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo. Jerobhoamu akaronga varwi vake kuti achirwa naye, vaive vari mazana masere ezviuru zvamagamba chaiwo eshasha dzokurwa hondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhija akarwa ane hondo yavarwi dzaiva mhare, varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mana; Jerobhoamiwo akagadzira hondo kuzorwa naye, ana varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana masere, vaiva varume vane simba noumhare.
Shona 2009?
Abhija akarwa ane hondo yavarwi dzaiva mhare, varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mana; Jerobhoamiwo akagadzira hondo kuzorwa naye, ana varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana masere, vaiva varume vane simba noumhare.
Shona SUB 2002 Bible
Abhija akarwa ane hondo yavarwi dzaiva mhare, varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mana; Jerobhoamuwo akagadzira hondo kuzorwa naye, ana varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana masere, vaiva varume vane simba noumhare.