2 Chronicles 13:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino munoɗa kurwa noʋushe bgaJehova ʋuri mumaʋoko aʋanakomana ʋaDavidi; ɀamuri ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, munemhuru dzendarama dzakaitwa naJeroboami kuti ʋaʋe ʋamŋari ʋenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uye zvino mava kurangana kurwisana noumambo hwaJehovha, huri mumaoko ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Zvirokwazvo muri hondo huru; uye mune zvimhuru zvegoridhe zvakagadzirwa naJerobhoamu kuti zvive vamwari venyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndopamungatiwo mumirisane nenyika yaTenzi yaarikutonga navanakomana vokwaDhavhidhi muchivimba nokuwanda kwamakaita uku nezvimhuru zvendarama zvamunazvo zvamakagadzirirwa naJerobhoamu kuti zvive vamwari venyu here.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino munoda kurwa noushe hwaJehovha uri mumaoko avanakomana vaDhavhidhi; zvamuri vanhu vazhinji, mune mhuru dzendarama dzakaitwa naJerobhoami kuti vave vamwari venyu.
Shona 2009?
Zvino munoda kurwa novushe bwaJehovha bwuri mumaoko avanakomana vaDhavhidhi; zvamuri vanhu vazhinji, mune mhuru dzendarama dzakaitwa naJerobhoami kuti vave vamwari venyu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino munoda kurwa noushe hwaJehovha uri mumaoko avanakomana vaDhavhidhi; zvamuri vanhu vazhinji, mune mhuru dzendarama dzakaitwa naJerobhoami kuti vave vamwari venyu.