2 Chronicles 13:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hamuna‐kudziŋga here ʋaprista ʋaJehova, ʋanakomana ʋaAroni, naʋaRevi, imi mukaɀitsaurira ʋaprista netsika dzaʋanhu ʋedzimŋe nyika? Naiɀoɀo aninani unoʋuya kuɀitsaurira Mŋari anenzombe imŋe namakondobge manomŋe, iye uŋgaʋa muprista waʋamŋari ʋasati ʋari ʋamŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi hamuna kudzinga here vaprista vaJehovha, vanakomana vaAroni navaRevhi mukagadza vaprista venyu moga sezvinoitwa navamwe vanhu vedzimwe nyika? Ani naani anenge auya kuzozvitsaura nehando diki namakondohwe manomwe anogona kuva muprista wezvisiri zvamwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamuna here imi kudzinga vapristi vaTenzi, vanakomana vokwaAroni navaRevhi, mukazviitira vapristi sezvinongoitawo mamwe marudzi edzimwe nyika? Anoti nomunhu wose anenge angouyawo zvake nehandira ichiri duku kana nehondohwe nomwe ndizvozvo obva anzi atova mupristi wezvinhu zvisiri Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hamuna kudzinga here vapristi vaJehovha, vanakomana vaAroni, navaRevhi, imi mukazvitsaurira vapristi netsika dzavanhu vedzimwe nyika? Naizvozvo Ani naani anouya kuzvitsaurira Mwari ane nzombe imwe namakondobwe manomwe, iye angava mupristi wavamwari vasati vari vamwari.
Shona 2009?
Hamuna kudzinga here vaprista vaJehovha, vanakomana vaAroni, navaRevhi, imwi mukazvitsaurira vaprista netsika dzavanhu vedzimwe nyika? Naizvozvo Ani naani anouya kuzvitsaurira Mwari ane nzombe imwe namakondobwe manomwe, iye angava muprista wavamwari vasati vari vamwari.
Shona SUB 2002 Bible
Hamuna kudzinga here vapristi vaJehovha, vanakomana vaAroni, navaRevhi, imi mukazvitsaurira vapristi netsika dzavanhu vedzimwe nyika? Naizvozvo Ani naani anouya kuzvitsaurira Mwari ane nzombe imwe namakondobwe manomwe, iye angava mupristi wavamwari vasati vari vamwari.