2 Chronicles 14:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Abija wakaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi; Asa mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe; pamazuʋa ake nyika yakaŋga inorugare makore anegumi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa mwanakomana wake akamutevera kuva paumambo, uye mumazuva ake nyika yakava norugare kwamakore gumi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo Abhiya akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake. Mwanakomana wake Asa ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mumazuva ake nyika yakava norunyararo kwegumi ramakore.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Abhija akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe, pamazuva ake nyika yakanga ino rugare makore ane gumi.
Shona 2009?
Zvino Abhija akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe, pamazuva ake nyika yakanga ino rugare makore ane gumi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Abhija akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe, pamazuva ake nyika yakanga ino rugare makore ane gumi.