2 Chronicles 14:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asa akacema kunaJehova Mŋari wake, akati: Jehova hakuna‐uŋgaɓatsira usinesimba kurwa nounesimba, asi imi moga; tiɓatsirei Jehova Mŋari weɗu; nokuti tinoʋimba nemi, taȿika kuzorwa naʋazhinji aʋa nezita renyu. Imi Jehova, ndimi Mŋari weɗu; munhu ŋgaarege kukukundai imi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akadana kuna Jehovha Mwari wake akati, “Jehovha, hakuna mumwe akafanana nemi angabatsira vasina simba pavanorwisana navane simba. Tibatsireiwo, imi Jehovha Mwari, nokuti tinovimba nemi, uye muzita renyu tauya kuzorwisana nehondo yakakura ikadai. Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu; musarega munhu achikukundai.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asa akachema kuna Tenzi, Mwari wake achiti, “Tenzi we-e! Hakuna akaita semi angabatsire panenge pasangana vane simba navasina simba kudai. Tibatsireiwo Tenzi, Mwari wedu nokuti tinovimba nemi. Tauya kuzorwisa gurusvusvu ravanhu iri muzita renyu. Imi Tenzi ndimi Mwari wedu. Regai kuti munhu akukurirei.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asa akachema kuna Jehovha Mwari wake, akati, “Jehovha hakuna angabatsira asine simba kurwa nounesimba, asi imi moga; tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nokuti tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu. Imi Jehovha, ndimi Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai imi.”
Shona 2009?
Asa akachema kuna Jehovha Mwari wake, akati, "Jehovha hakuna angabatsira asine simba kurwa nounesimba, asi imwi moga; tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nokuti tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu. imwi Jehovha, ndimi Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai imi."
Shona SUB 2002 Bible
Asa akachema kuna Jehovha Mwari wake, akati, “Jehovha hakuna angabatsira asine simba kurwa noune simba, asi imi moga; tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nokuti tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu. Imi Jehovha, ndimi Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai imi.”