2 Chronicles 14:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asa naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo ʋakaʋateʋerera kuȿikira paGerari; ʋaEtiopia ʋakaʋurawa ʋazhinji, ʋakakoniwa kuzosimba ɀe; nokuti ʋakaparadzwa pamberi peJehova napamberi pehondo yake; ʋakaenda neɀizhinji kwaɀo ɀaʋakapamba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye hondo yaAsa yakavatandanisa kusvika kuGerari. VaEtiopia vazhinji kwazvo vakafa zvokuti havanazve kuzombodzokera pasimba rakare; vakabva vaparadzwa pamberi paJehovha navarwi vake. Varume veJudha vakatakura upfumi uzhinji kwazvo hwavakapamba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asa navanhu vaaiva navo akadzingirirana navo kusvikira kuGerari. VaEtiopia vakaita murakatira kufa pakasara pasisina mupenyu. VaEtiopia vakaitiswa chimwanda-mwanda naTenzi nehondo yake. VokwaJudha vakakukucha zvinhu zvizhinji zvokupamba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asa navanhu vaakanga anavo vakavateverera kusvikira paGerari; vaItiopia vakaurawa vazhinji, vakakoniwa kuzosimbazve; nokuti vakaparadzwa pamberi paJehovha napamberi pehondo yake vaJudha vakaenda nezvizhinji kwazvo zvavakapamba.
Shona 2009?
Asa navanhu vaakanga anavo vakavateverera kusvikira paGerari; vaItiopia vakaurawa vazhinji, vakakoniwa kuzosimbazve; nokuti vakaparadzwa pamberi paJehovha napamberi pehondo yake vaJudha vakaenda nezvizhinji kwazvo zvavakapamba.
Shona SUB 2002 Bible
Asa navanhu vaakanga anavo vakavateverera kusvikira paGerari; vaItiopia vakaurayiwa vazhinji, vakakoniwa kuzosimbazve; nokuti vakaparadzwa pamberi paJehovha napamberi pehondo yake vaJudha vakaenda nezvizhinji kwazvo zvavakapamba.